£9.99
Mafuta Enguruve
Ndiani chaizvo anourauya Maisva? Ko sei mhondi ichisiya mari yaMaisva yakadaro iyo yakawanda kudaro iyo mhondi isina kana mari? Chiiko chiri kumboitika? Zviri pachena kuti Mafuta Enguruve inyaya yeutikitivha isina matikitivha pose pose. Inenge inozvitikitivha yega kubva pakutanga kusvika mapurisa vazopinda. Mhondi yacho haisi mhondi chaiyo chaiyo… nokuti inotove nebanga rainoshandisa kuveza migoti yakaisvonaka zvokuti vamwe vana amai vanoichemera kunge siwiti. Banga iroro rine mhere. Hakuna asingarirumbidze. Manyorero aTrust Mutekwa ari pano akafanana nekudhirowa. Nyaya haimhanye sebhiza nokuti Mutekwa anenge achidhirowa vanhu nenyika zvakadzika dzika zvamusati mamboona munovhero reShona. Unonzwa zvonzi: “Masamba akaradzika meso ake mumugwagwa waibva pazvitoro wakananga kumavirira. Akaurega wopota neseri kweziware uchinonyura mudondo reDzimidza. Akabva ayeva riya ziware rekuviga mugwagwa. Pamusoro paro paiva nemiti isina kunyanya kuwanda. Paivawo nemafuri nematombo machena nematsvuku ekuti kana uri chinhambwe, zvairatidzika semakwai akazorora zvawo nembudzi… Masamba akaita dzimwe nhanho shoma ndokumbomira zvekare achiteerera mushana seshato pakati pegura. Chaingofamba ndiwo meso aiva zvino adzoswa kusvika ave padundundu pake. Marara emugoti waaiveza akanga asiti nyirinyiti kubva padundundu achidzika nedumbu. Akaumba pfuko nematama ndokubva avhutira Nyamavhuvhu. Marara akabva ati dzvamu…
Memory Chirere, University of Zimbabwe
Mafuta Enguruve, handiti ndiwo anokanga nyama kusvika yatsvukirira! Nekuku achinzi anokanga iyo nguruve yacho mbune! Paucharava nyayanyorwa yaTrust Mutekwa uchatekwaira uchitsvaka panopisa pemafuta enguruve nepachapisa mafuta enguruve. Nekuno uchitsvakazve pachakangwa nyama nemafuta enguruve ichitsvukirira zvekurwerwesa rute nepachakangwa iyo nguruve mbune nemafuta ayo.
Munganonyorwa yaTrust Mutekwa yokutanga ino anosiira zvake kuti muravi aite kafiramberi. Ndiyaniwo zvake angachenese Dyiwa pazororo raMaisva ivo vaive katsi nagonzo pakugarisana kwavo? Kanapo angafungire kuti Masamba ainge asiyana musango reDzimidza! Nyorwa yakarukwa zvokuti muravi anoona mipikicha yakaurungudwa namazwi ichiyanika firimu mupfungwa nemuhana. Zvinongosara zvoti dai wangochivhurawo mapeji enyorwa ino wazvionera panopisa nepanopiswa nemafuta enguruve ichizvikanga kana kukanga nyama.
Tinashe Muchuri, munyori nemuturikiri
Apa pakashandwa. Ndanga ndave nenguva refu ndisati ndasangana nenovhero reShona rinondigarisa pasi seizvi.
Ignatius T Mabasa, munyori, sarungano nemuturikiri
Published: 15 November 2024
Page count: 134
Book dimensions: 5.060" x 7.810"
Cover finish: Matte
Interior colour: Black & White on groundwood paper

ISBN
Paperback: 978-1-914287-57-2
eBook: 978-1-914287-58-9
Additional information
Weight | 1 kg |
---|
You must be logged in to post a review.

Reviews
There are no reviews yet.
You must be logged in to post a review.
Reviews
There are no reviews yet.