£9.99
Hanzi Huchi Hwenduri – kubva mukati kati
Huchi chikafu chinozipa samare chinonzizve chine kurapa muviri kunokurudzirwa nanamazvikokota. Ukadya uchi unonwira mvura. Asika tikakuti enda unomora vazhinji tinotya zvikuru kana tisina kupfeka kwakafanira nekuti tinoziva kuti ukasaitamba mushe tsoro yacho panoita mbiri, nhatu kana zhinji dzinokuti ndure. Izvi zvinodaro kana mutambo wokumora uchi usati wonyatsougona. Ndizvo zvimwe nenduri dzamuri kupakurirwa nanyanduri Ushehwedu Kufakurinani Chireshe. Induri dzinozipa zvekuti unonzwa gotsi kuti papata. Asi handivimbisi kuti asarudza kumora huchi uhwu haawani nhetembo imwe, mbiri, nhatu kana zhinji dzichasiya zvimborera!
NaU. Kufakurinani
Published: 20 June 2025
Page count: 78
Book dimensions: 6.000" x 9.000"
Cover finish: matte
Interior colour: black and white on groundwood paper
Kuverenga matetembo ano kwakafanana nekufa uchimuka. Uchifa uchimuka zvakare. Unoita seuri kuteerera izwi reshamwari yawaiziva kare kare mabwe achiri manyoro, asi nhasi yazodzoka yave baba vababa vababa vako paudzamu. Ndadaro nekuti muna Huchi Hwenduri tiri kurairwa tisina kubvisa mari yechikoro neyebhondingi neyeruvako. Pano hapana ari kukumanikidza kumhanya kana kugara pasi. Kana kukwira mumuti. Asi ukatanga kuverenga zviri pano, unotanga kuoneswa kuti, “wechida chiro, juruja nemwero.” Pamwe pacho woonawo wega kuti, “zvimwewo chingoti dongo dongo, kudongorera,” kuti zvifambe. Nguva inogonaka “kupera uchipedza nguva!” Matetembo aya andifadza nekuti anoziva kuti ndiri munhuwo mukuru asingade kuudzwa zvekuita. Ndiri kungoyeuchidzwa zvekuita. Ndiri kuratidzwa zvinangwa zvandaive nazvo kuti ndirambe ndiripo. Mutauro uri pano wakapfava senyama yemhuru zvekuti iwe ingouya nemoto nemunyu chete. Zvino pano zvapaita huchi pasina nyuchi, uchati chakutadzisa kunomborawo sevana vevamwe chii? Mudetembi wedu, Ushehwedu Kufakurinani haasi munhu wekutamba naye!
~Memory Chirere, University of Zimbabwe
ISBN: 978-1-914287-87-9