£9.99
Zvingori Zvidhori Nezvigure Zvakadhakwa
Shoko rinoti, “Musandikomborere nemakuhwa, Kana nezvakadhakwa, zvinonhuwa” inzwi richiti, “Sei zuva richidoka richipa rima nevaroyi hushe?” Zvimwe zvinoda ari meso ako omene achiona mavara anoti,
Ndakasangana nenyoka ine nyota,
Nyoka yaitemwa nemusoro, yakarukutika.
Payakandiona yakaswedera pedyo ikashama
Kwete kuti indirume, asi ichikumbira
mvura yaive yasara muchigubhu changu.
Ndakavhura chigubhu ndikanwisa nyoka,
Ndikanzwa huro yayo ichirira sehuyo paguyo.
Yapedza kunwa, yakadzikisa musoro wayo,
Ndikaiona ichienda kwayakaenda kwandisingazive.
Hope, nduri, ngano, nyaya, nenziyo, zvose zvikava panzvimbo imwe zvichivhenekerwa nomwenje weGwara raKurumbi zvinounza nhomba inenge yeuya anotsenga chimukuyu. Murimo wechimukuyu kuchitsenga zvishoma nezvishoma zvinyoronyoro seunoda, seusingadi uchiziva zvako kuti hachidyiwi senyama yekugochaka, kana yokubika, zvakare hachinaki senyama yekugocha kana yekubikwa, asi chinomunakire wacho unomhanya netsinga uchifamba neropa zvishoma nezvishoma zvinyoronyoro.
Kuzvigona kubata rako bhuku raMabasa iri uzvitandarire uchiona zvidhori nezvigure zvakadhakwa zvichidzadzarika kutsvanzvadzira pokutsika kutsvaka nzira seyakatama makeyi. Ngwarira kuwirwa zvazvadai kudhakwa!
~Tinashe Muchuri
ISBN

Additional information
Weight | 1 kg |
---|
You must be logged in to post a review.

Reviews
There are no reviews yet.
You must be logged in to post a review.
Reviews
There are no reviews yet.